Isaiah 37:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acinamata mumba maNisroki, mŋari wake, Adramereki naSharezeri ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋuraya nomunondo, iʋo ʋakatizira kunyika yeArarati. Esari‐hadoni akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akati achinamata ari mumba maNisiroki mwari wake, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeru vakamuuraya nebakatwa vakatizira kunyika yeArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.”
Shona 2009?
Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esahadhoni akamutevera paushe.”