Isaiah 38:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, akaȿikira pakufa. Muprofita Isaya mŋanakomana waAmozi akaȿika kwaari, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ciraira nhaka yako, nokuti ucafa, hauŋgararami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”