Isaiah 38:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiŋgatiyiko? Ndiye wakataura neni, ndiye wakaɀiita; Ndicanatsa kufamba makore aŋgu ose, nokuɗa kwokurwadziwa kwomŋoyo waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndingati kudiniko? Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi. Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanatsa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
Shona 2009?
Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kokurwadziwa komoyo wangu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanatsa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.