Isaiah 38:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, kutambudzika kwaŋgu kukuru kwakazondiʋigira rugare; Asi makarwira mŋeya waŋgu noruɗo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarashira ɀiʋi ɀaŋgu ɀose shure kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
Shona 2009?
Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.