Isaiah 38:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Ƌoraŋgarirai henyu, Jehova, kuti ndakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi nomŋoyo wose, ndikaita ɀakanaka pamberi penyu. Hezekia akacema kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
Shona 2009?
akati, "Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu." Hezekia akachema kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akachema kwazvo.