Isaiah 38:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Enda undoti kunaHezekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari waɓaɓa ʋako Davidi: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaʋona misodzi yako; tarira, ndicawedzera pamazuʋa ako makore anegumi namashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
Shona 2009?
"Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, `Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
Shona SUB 2002 Bible
“Enda undoti kuna Hezekiya, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.