Isaiah 38:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ndicadzosa mumvuri pamitaro, wakaŋga wadzira nezuʋa pacikati caAhazi, udzoke mitaro inegumi. Naiɀoɀo zuʋa rakadzoka mitaro inegumi pacikati caAhazi, pawakaŋga wadzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva chiya chakavakwa naAhazi udzokere shure nhano gumi zuva rorereka.” Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, wakanga wakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.” Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.
Shona 2009?
Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi." Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, wakanga wakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi.” Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.