Isaiah 39:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino neŋguʋa iyo Merodaki‐baradani mŋanakomana waBaradani, mambo weBabironi, wakatuma ŋwadi necipo kunaHezekia; nokuti wakaŋga anzwa kuti wairwara akapora ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara akaita nani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
Shona 2009?
Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekiya; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.