Isaiah 39:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hezekia akafara pamsoro paʋo, akaʋaratidza imba yakaŋga ineɀinokosha ɀake, sirveri, nendarama, neɀinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiʋa nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, neɀose ɀakaŋga ɀiri pafuma yake; kwakaŋga kusisinecinhu mumba make, kana muʋushe bgake bgose, caʋasina‐kuratidzwa naHezekia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akavagamuchira zvake akavaratidza dzimba dzake dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Shona 2009?
Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
Shona SUB 2002 Bible
Hezekiya akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekiya.