Isaiah 39:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprofita Isaya akaȿika kunamambo Hezekia, akati kwaari: Ʋarume aʋa ʋakati kuɗiniko? Ʋakaȿika kwauri ʋacibvepi? Hezekia akati: Ʋakaŋga ʋabva kunyika iri kure, Babironi ʋaciʋuya kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?” Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvira nepi?” Hezekiya akati, “Vauya kwandiri vachibva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, “Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?” Hezekia akati, “Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.”
Shona 2009?
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, "Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?" Hezekia akati, "Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekiya, akati kwaari, “Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?” Hezekiya akati, “Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.”