Isaiah 39:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati: Ʋakaʋonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati: Ʋakaʋona ɀose ɀiri mumba maŋgu; hakunecinhu pakati pefuma yaŋgu candisina‐kuʋaratidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?” Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?” Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati, “Vakaonei mumba mako?” Hezekia akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”
Shona 2009?
Ipapo akati, "Vakaonei mumba mako?" Hezekia akapindura, akati, "Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati, “Vakaonei mumba mako?” Hezekiya akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakuna chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”