Isaiah 39:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hezekia akati kunaIsaya: Shoko raJehova ramataura rakanaka haro. Akati ʋo: Nokuti rugare neɀokwaɗi ɀicaʋa’po pamazuʋa aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi rawataura ishoko rakanaka, nokuti chero kuine rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro.” Akatiwo, “Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.”
Shona 2009?
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, "Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro." Akatiwo, "Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro.” Akatiwo, “Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.”