Isaiah 4:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova ucasika pamsoro peimba imŋe neimŋe pagomo reZioni, napamsoro peʋuŋgano dzaro, gore noʋutsi masikati, nokupenya kwomŋoto unopfuta ʋusiku; nokuti pacaʋa necitaʋiridzo pamsoro pokubginya kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi achazviratidza pamusoro peGomo rose reZioni napamusoro pemagungano aro, ari mugore, masikati, usiku, ari muutsi nomurimi romoto rinon'aima kupenya kwokuvapo kwaMwari kugoti gude gude pose ipapo sekatenga uye sedumba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.
Shona 2009?
Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya komoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.