Isaiah 40:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucafudza ɓoka rake somufudzi, ucaʋuŋganidza makwaiana ake mumaʋoko ake, nokuatakura pacifuʋa cake, ucanatsa kutuŋgamirira nhunɀi dzinomnisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achafudza zvipfuwo zvake somufudzi achagumbatira hwayana mumaoko ake achidzitakura pachifuva chake achinyatsonanaidza dzina vana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.
Shona 2009?
Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.
Shona SUB 2002 Bible
Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanatsokutungamirira nhunzvi dzinomwisa.