Isaiah 40:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai kumsoro nameso enyu, muʋone kuti ndiani wakasika iɀoɀi, unoɓuɗisa hondo yaɀo yakawanda; iye unoɀiɗana ɀose namazita aɀo; nokuɗa kwoʋukuru bgesimba rake, ʋuye ɀaari mukuru pakusimba kwake, hakune‐cimŋe cinoshaikwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munodiiko kumbosimudza musoro mukaonawo kuti ndiani chaizvo akasika zvose izvozvi, iye anozvitungamirira sehondo nouwandi hwazvo kudaro achizvidaidza zvose namazita. Pamusana poukuru hwesimba rake uye nokuti pasimba chikakarara chaicho, hapana nechimwe chinenge chisipo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
Shona 2009?
Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda koukuru bwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshaikwa.