Isaiah 40:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwi rounoti: Ƌanidzirai! Mumŋe akati: Ndicaɗanidzireiko? Nyama yose ʋuswa, kunaka kwaɀo kwose kwakaita seruʋa rokusaŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izwi roanoti, “Danidzirai!” Mumwe akati, “Ndichadanidzireiko?” Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango.
Shona 2009?
Inzwi roanoti, "Danidzirai!" Mumwe akati, "Ndichadanidzireiko?" Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kose kwakaita seruva rokusango.
Shona SUB 2002 Bible
Izwi roanoti, “Danidzirai!” Mumwe akati, “Ndichadanidzireiko?” Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango.