Isaiah 40:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, ɗanidzira nesimba, ɗanidzira, usatya; uti kumaguta aJuda: Tarirai, Mŋari wenyu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwira pamusoro pegomo refu iwe Zioni muparidzi wamashoko akanaka, udaidzire nezwi guru iwe Jerusaremu muparidzi wamashoko akanaka, daidzira usatye. Iti kumaguta ekwaJudha, hoyo, tarirai muone Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, “Tarirai, Mwari wenyu!”
Shona 2009?
Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, "Tarirai, Mwari wenyu!"
Shona SUB 2002 Bible
Nhai, iwe, unoparidzira Zioni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, “Tarirai, Mwari wenyu!”