Isaiah 41:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyararai pamberi paŋgu, imi ɀiwi; ʋanhu ŋgaʋawane simba idɀa, ŋgaʋasweɗere, ipapo ŋgaʋataure; ŋgatisweɗere pamŋe cete kutoŋgerwa mhaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyararai pamberi pangu, imi zvivi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.
Shona 2009?
Nyararai pamberi pangu, imwi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.
Shona SUB 2002 Bible
Nyararai pamberi pangu, imi zvivi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.