Isaiah 41:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndicaɓata ruʋoko rwako rworudyi, ndiciti kwauri: Usatya, ini ndicakuɓatsira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’
Shona 2009?
Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, `Usatya, ini ndichakubatsira.'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’