Isaiah 41:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko wakamutsa mumŋe kumabvazuʋa, unokunda pose‐pose paanotsika? Ndianiko unomupa marudzi aʋanhu, acimuɓatisa madzimambo paʋushe bgake? Unoʋaisa pamunondo wake seguruʋa, napaʋuta bgake sehundi inodziŋgwa nemhepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paanotsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.
Shona 2009?
Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paa notsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose pose paanotsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.