Isaiah 41:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgaʋaʋuye nawo, ʋatiʋudze ɀicaitwa; tiʋudzei ɀinhu ɀakare, kuti ndeɀei, kuti tiɀiraŋgarire, tiziʋe kuguma kwaɀo; kana mutiziʋise ɀicazoʋa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi, kuti zvimwe tizviongorore tigoziva magumo azvo. Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngavauye nazvo zvifanotinyevera zvichazoitika, zvititaurire zvinhu zvapasi chigare kuti ndezvipi zvacho, tifunge nezvazvo tizive kwazvichazoperera kana kuti zvitizivise zviri mune ramangwana,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa; tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.
Shona 2009?
Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa, tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.
Shona SUB 2002 Bible
Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa; tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.