Isaiah 42:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mapofu ndicaafambisa nenzira yaasiŋgaziʋi, pamakwara aasiŋgaziʋi ndicaatuŋgamirira; rima ndicariita ciedza pamberi paʋo, neɀakakombama ndicaɀiruramisa. Ɀinhu iɀi ndicaɀiita, handiŋgaʋasiyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiyi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye mapofu ndichaatungamirira nenzira yavasingazivi, ndichivatungamirira nomutunzira twavanga vasingazivi. Panzvimbo perima rakavaputira ini ndichaisa chiedza pana makomba makomba ndichiita kuti pati chechetere. Izvozvi izvi ndozvinhu zvandichaita, handisi kuzovafuratira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
Shona 2009?
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichaatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
Shona SUB 2002 Bible
Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.