Isaiah 42:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko ɓofu, haazi iye muranda waŋgu here? Ndiani matsi, senhume yaŋgu yandinotuma? Ndiani ɓofu, saiye unoɗikanwa neni, neɓofu somuranda waJehova?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani chaizvo ano upofu kusatoti iye muranda wangu, kana kuti ane umatsi sohwenhume yangu yandinotuma? Ndiani chaizvo ane upofu sehwaiye akateketererweni uyu, kana kuti ane upofu hwakaita sohwemuranda waTenzi?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
Shona 2009?
Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma? Ndiani bofu, saiye anodikanwa neni, nebofu somuranda waJehovha?