Isaiah 42:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi aʋa ndaʋanhu ʋakatorerwa nokupambarwa; ʋose ʋakateyiwa mumakomba, ʋakaʋanzwa mudzimba dzokusuŋgwa; ʋaʋa cinhu cakatapxa, hakuna‐unoʋarwira, cinhu cakapambga, hakuna‐unoti: Dzosa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vanhu ivava vanhu vakabhinywa, vakapambwa, vose zvavo vakazaririrwa muninga vakahwandiswa mujeri, vakapinda munhamo isina anonunura, chinhu zvacho chokupamba chisina anoti, “Ngachidzorerwe!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambwarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa; vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, “Dzosa!”
Shona 2009?
Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, "Dzosa!"
Shona SUB 2002 Bible
Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambirwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa; vava chinhu chakatapwa, hakuna unovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, “Dzosa!”