Isaiah 42:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko wakarega Jakobo apambge, naIsraeri awirwe namakororo? Haazi Jehova here? Iye watakatadzira, waʋakaramba kufamba nenzira dzake, waʋakaramba kuterera murairo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndianiko wakaisa wokwaJakobho mumaoko omupambi, uye vokwaIsiraeri mumaoko amabhinya? Handiti ndiTenzi here watakatadzira, ana makwara avasina kutevedza ano mutemo wavasina kuteerera?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko akarega Jakobho apambwe, naIsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
Shona 2009?
Ndianiko akarega Jakobho apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko wakarega Jakobho apambwe, naIsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murairo wake.