Isaiah 43:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.