Isaiah 43:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wenyu, Mutȿene waIsraeri: Ndakatuma ʋanhu Babironi, nokuɗa kwenyu, ndicaʋaɓurusa ʋose ʋacitiza, iʋo ʋaKardea muɀikepe ɀaʋo ɀomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri, “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, Mununuri wako, iye Anoera waIsiraeri, “Pamusana pako iwe ndichatumira vanhu kuBhabhironi kundotyoranisa zvihuri zvose; zhowezhowe revaKaridhea richasandurwa rikava kuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, “Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, "Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, “Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhia muzvikepe zvavo zvomufaro.