Isaiah 43:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauna‐kundiʋigira makwai ako ɀiʋe ɀipiriso ɀiŋgapiswa; hauna‐kundikudza neɀiɓayiro ɀako. Handina‐kukuremedza kuti uʋuye neɀipiriso ɀoʋupfu, handina‐kukunetsa ndiciti uʋuye neɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hauna kundivigira hwayana yako yemipiro yokupisa kana kundiremekedza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nemipiro kana kukunetsa norusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira.
Shona 2009?
Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibairo zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira.