Isaiah 43:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauna‐kunditeŋgera ipxa nemari, hauna‐kundigutisa namafuta eɀiɓayiro ɀako; asi wakandiremedza neɀiʋi ɀako, wakandinetsa neɀakaipa ɀako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hauna kunditengera nemari rusenzi runonhuhwirira kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi kutoti wakatonditakudza mutoro wezvitadzo zvako, ukandifinha nouipi hwako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
Shona 2009?
Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
Shona SUB 2002 Bible
Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibairo zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.