Isaiah 43:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kwandiri, iwe wakakosha unoremekedzeka uye ndinokuda. Ndinobvisa vanhu kukutenga iwe, vanhu vokutsinhanisa noupenyu hwako
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
Shona 2009?
"Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikamwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.