Isaiah 44:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rumŋe rutiʋi rwawo unopisa nomŋoto, norumŋe rutiʋi unodya nyama; unogoca nyama, nokuguta; ɀirokwaɀo, unoɀidziyisa, ndokuti: Haiwa, ndadziya, ndaʋona mŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hafu yehuni anopisa mumoto, nadzo anobika zvokudya zvake, anogocha nyama yake agoidya achiguta. Anozvidziyisazve, agoti, “Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chidimbu chacho anochipisa nomoto, pane chimwe chidimbu ndopaanodyira zvake nyama. Anogochera nyama ipapo achitoguta otodziyawo moto wacho achitoti, “Hamuoneka ndadziyirwa ini. Ndomotoka uyu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, “Haiwa, ndadziya, ndaona moto.”
Shona 2009?
Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, "Haiwa, ndadziya, ndaona moto."
Shona SUB 2002 Bible
Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, “Haiwa, ndadziya, ndaona moto.”