Isaiah 44:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neɀakasara unoita mŋari, iwo mufananidzo wake wakaʋezwa; unoufugamira, nokuunamata, nokunyeŋgetera kwauri, aciti: Ndirwirei, nokuti ndimi mŋari waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe chidimbu chese chasara ichi anochiveza kuita mwari, chifananidzo chake chokunamata. Anochigwadamira achichipfugamira achichinamata achiti, “Ndinunureiwo, ndimi mwari wangu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, “Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.”
Shona 2009?
Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, "Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu."
Shona SUB 2002 Bible
Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, “Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.”