Isaiah 44:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakuna‐unoraŋgarira, hakuneziʋo kana njere dzinoti: Ndapisa rumŋe rutiʋi rwawo mumŋoto, ɀirokwaɀo, ndaɓika ciŋgwa pamazimbe awo; ndagoca nyama ndikaidya; ɀino ndiŋgaita cinonyaŋgadza neɀakasara ɀawo here? Ndiŋgafugamira ɗanda romuti here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana anofunga, kana ano ruzivo kunyange anozoitawo ndangariro dzokuti, “Chimwe chidimbu, ndakachikuhwidzisa moto ndikatobika zvangu chokudya pamazimbe acho ndikatogocha nyama ndikadya zvangu, zvino ini ndopandingatore chasara chacho ndoita chinhu chisingadiwi naMwari here? Ndipfugamire here chokwadi chimuti ini?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, “Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?”
Shona 2009?
Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, "Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?"
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, “Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?”