Isaiah 44:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imba, iwe ɗeŋga rose, nokuti Jehova wakaita iɀoɀo; ɗanidzirai, matiʋi ezasi enyika; imbai ɀikuru imi makomo, iwe ɗondo, nomuti mumŋe nomumŋe uri’mo; nokuti Jehova wakadzikinura Jakobo, ucaɀirumbidza munaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imbai norufaro imi matenga imbirai Tenzi nokuti ndiye akazviita imi nzvimbo dzakadzikadzika dzapasi penyika daidzirai, imi makomo tangisai kuimba, newe sango nomuti wose urimo, nokuti Tenzi akanunura Jakobho uye acharumbidzwa muIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikinura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
Shona 2009?
Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imwi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikunura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikinura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.