Isaiah 44:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wako, wakakuʋumba kubva paciɀaro: Ndini Jehova, unoita ɀinhu ɀose, unotatamura ɗeŋga rose iye oga, unotambanudza nyika (ndiani waiʋa neni?);
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi, mununuri wako, akakuumba uchiri munhumbu anoti, ‘Ndini Tenzi akasika zvinhu zvose,’ iye woga akatambanudza matenga akawarira nyika nokokoko. Ndiani aiva neni ipapo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, “Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, "Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, “Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)