Isaiah 44:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musatya henyu, musavunduka; handina‐kukuparidzirai iɀoɀo kare, nokukuratidzai here? Imi muri ɀapupu ɀaŋgu. Kunomumŋe Mŋari kunze kwaŋgu here? Ɀirokwaɀo, hakunerimŋe Ƌombo, ini handiriziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rega zvako kutya kana kuita umbwende, handina kukutaurira here kare ndikatotema izvozvo? Imimi ndimi zvapupu zvangu! Kuno mumwe Mwari here kunze kwangu ini? Hakuna kana rimwe Dombo kana nerimwe zvaro randinoziva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.”
Shona 2009?
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? imwi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi."
Shona SUB 2002 Bible
Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kuno mumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakuna rimwe dombo, ini handirizivi.”