Isaiah 45:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaita nyika, nokusika ʋanhu pamsoro payo; ini, na maʋoko aŋgu, ndakatatanura ɗeŋga rose; ndakaraira hondo yose yaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini ndakaita nyika uye ndikasika vanhu vendudzi dzose pamusoro payo. Maoko angu pachangu akatatamura matenga; ndakarayira hondo dzawo dzose dzenyeredzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini ndakaita nyika ndikasika munhu pairi; ini namaoko angu ndini ndakatambanudza matenga uko nekokoko. Ndini ndakabata mumaoko gurusvusvu rezvose zvomudenga imomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatanura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.
Shona 2009?
Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatanura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.