Isaiah 45:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakamumutsa nokururama, ndicaruramisa nzira dzake dzose; iye ucaʋaka guta raŋgu, nokusunuŋgura ʋatapxa ʋaŋgu, asiŋgatȿaki muteŋgo kana muɓairo, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichamutsa Sirasi mukururama kwangu: ndichaita kuti nzira dzake dzose dzirurame. Iye achavakazve guta rangu, uye achasunungura vatapwa vangu, asi pasina muripo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini ndakamumutsa mwoyo ndikamupa ukundi ndicharuramisawo makwara ake ose. Achavaka guta rangu achasunungura vanhu vangu vari muutapwa pasina zvokupiwa mubayiro kana muripo.” Ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro," ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubairo,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.