Isaiah 45:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ɀakaɓatirwa neEgipita, neɀakashambadzirwa neEtiopia, naʋaSabea, iʋo ʋarume ʋarefu, ɀicaʋuya kwauri, ɀicaʋa ɀako; ʋacakuteʋera, ʋacaʋuya ʋakasuŋgwa namatare, ʋacafugama pamberi pako, ʋacikunyeŋgera, ʋaciti: Ɀirokwaɀo Mŋari uri pakati pako, hakunomumŋe, hakunomumŋe Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: “Zvibereko zveIjipiti nezvinoshambadzirwa zveEtiopia, navaSabhea varefu, vachauya kwauri uye vachava vako; vachatevera mushure mako. vachiuya kwauri vakasungwa nengetani. Vachapfugama pamberi pako uye vachakunyengetedza, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari anewe, uye hakunazve mumwe; hakuna mumwe mwari.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Zvinhu zvinoshandwa kuIjipiti noupfumi hwokuItiopia nevaSabhia ivo vaye hofori dzavanhu zvichauya kwamuri zvichiva zvenyu. Vachati rongondo munzira kukuteverai vachayambukira kwamuri vakasungwa nemajoti vachizoti kwamuri pasi kota kota. Vachakutetererai vachiti, imimi chete ndimi muna Mwari, hakuna mumwe, kunze kwake, hakunazve mumwe Mwari!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Zvakabatirwa neIjipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhea, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.’ ”
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Zvakabatirwa neljipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhiya, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, `Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Zvakabatirwa neIjipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhea, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, ‘Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.’ ”