Isaiah 45:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova wakasika ɗeŋga rose, iye Mŋari wakaʋumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti riʋe ɗoŋgo, asi wakaiʋumba kuti igarwe, ɀanzi naye: Ndini Jehova, hakunomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zvanzi naJehovha, iye akasika matenga, ndiye Mwari; iye akaumba uye akaita nyika, ndiye akaisimbisa; haana kuisikira kuti igare isina chinhu, asi akaiumba kuti igarwe, iye anoti, “Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti iye Tenzi, Nyakusika matenga ndiye Mwari iyeyu akaumba nyika akaiita, akaita kuti imire kudai; haana kuisika sechinhu chisina kunyatsoumbwa. Chaakaisikira kuti igarwe navanhu. Ari kuti, “Ini ndini Tenzi, hakuna mumwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, “Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, "Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, “Ndini Jehovha, hakuna mumwe.