Isaiah 45:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Paridzai, mu ɀi ɓuɗise; ɀirokwaɀo, ŋgaʋaraŋgane pamŋe cete, ʋaciti: Ndiani wakaɀiratidza iɀi kubvira paŋguʋa yekare‐kare? Ndiani wakaɀiparidza pakutaŋga? Handizini Jehova here? Hakunomumŋe Mŋari kunze kwaŋgu, Mŋari wakarurama noMuponesi, hakunomumŋe kunze kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paridzai zvichauya, muzvibudise: ngavarangane pamwe chete. Ndianiko akazvitaura kare, ndiani akazvireva kubva kare nakare? Handizini Jehovha here? Uye kunze kwangu ini hakuna Mwari, Mwari akarurama noMuponesi; hakuna mumwe asi ini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zivisai vanhu mupire nyaya yenyu murege vapane mazano pamwechete! Ndiani akafanozvitaura izvozvi kareko? Ndiani akazvizivisa vanhu kare ikako? Handisiri here ini Tenzi hakuna mumwe Mwari kunze kwangu ini, Mwari akarurama, Mununuri hakuna mumwe kunze kwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, ‘Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga?’ Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu.
Shona 2009?
Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, `Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga?' Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu,
Shona SUB 2002 Bible
Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, ‘Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare–kare? Ndiani akazviparidza pakutanga?’ Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu.