Isaiah 45:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndicakupa fuma iri murima, noʋufumi bgakaʋanzwa panɀimbo dzisiŋgazikanwi, kuti uziʋe kuti ndini Jehova, Mŋari waIsraeri, unokuɗana nezita rako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako.
Shona 2009?
ndichakupa fuma iri murima, noufumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikamwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari walsiraeri, anokudana nezita rako.
Shona SUB 2002 Bible
ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako.