Isaiah 45:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndini Jehova, hakunomumŋe; kunze kwaŋgu hakunomumŋe Mŋari. Ndicakusuŋga ciʋuno kunyaŋge usina‐kundiziʋa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini Jehovha, uye hakuna mumwe; kunze kwangu ini hakuna Mwari. Ndichakusimbisa, kunyange usina kundiziva,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;
Shona 2009?
Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;
Shona SUB 2002 Bible
Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyangwe asina kundiziva;