Isaiah 45:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenhamo unorwa noMuiti wake, ico caeŋga pakati peɀaeŋga ɀevu! Ko ivu riŋgati kunounoriʋumba: Unoiteiko? Kana ɓasa rako riŋgati: Haanamaʋoko, here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake, iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu. Ko, ivhu ringati kumuumbi, ‘Uri kugadzirei?’ Ko, basa rako rinoti here, ‘Uyu haana maoko?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ane nhamo munhu anokakavadzana noMusiki wake, ihari inorwisana nomuumbi wayo! Iro ivhu rokuumbisa ringabvunze here anoumba naro kuti, “Ko ndicho chii ichochi chauri kuumba?” Kana kuti, “Inga zvokuumba izvi, hamuna maoko nazvo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunoanoriumba, ‘Unoiteiko?’ Kana basa rako ringati, ‘Haana maoko, here?’
Shona 2009?
"Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunowanoriumba, `Unoiteiko? Kana basa rako ringati, `Haana maoko, here?'
Shona SUB 2002 Bible
“Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko munyakwe ungati kuno anouumba, ‘Unoiteiko?’ Kana basa rako ringati, ‘Haana maoko, here?’