Isaiah 46:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye unoparidza kubva pakutaŋga iɀo ɀicaitika pakupedzisira, nokubva paŋguʋa yekare‐kare ɀinhu ɀicigere kuitwa, ndiciti: Ɀandakaraira ɀicamira, ndicaita ɀose ɀandinoɗa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndakaparidza kubvira pakutanga magumiro achaita zvinhu kubvira pasi chigare zvinhu zvainge zvisati zvaitika ndichiti, “Zvandinenge ndaronga zvinotoitika chandinenge ndafunga kuita ndinotobudirira kuchiita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye anoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, ‘Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;’
Shona 2009?
iye anodanidzira kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, `Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;'
Shona SUB 2002 Bible
iye anoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare–kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, ‘Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;’