Isaiah 46:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndinoɗana gondo ribve kumabvazuʋa, munhu wandakarairira abve kunyika iri kure; ɀirokwaɀo, ndakataura, ndicaɀiʋuyisa ʋo, ndakaɀitema, ndicaɀiita ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichadaidza kumabvazuva shiri inodya nyama munhu wokuita zvandakaronga wokunyika yokurekure. Ndini ndazvitaura uye ndichaita kuti zviitike ndini ndazvironga ndichazviita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
Shona 2009?
ndinodana gondo ribve kumabvazuva,munhu wandakaraira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
Shona SUB 2002 Bible
ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.