Isaiah 46:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nditererei, imi imba yaJakobo, naʋakasara ʋeimba yaIsraeri, ʋakatakurwa neni kubva pakuɓerekwa kwaʋo, ʋakasimudzwa kubva paciɀaro;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vanosara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimboteererai kwandiri munzwe, imi vemba yokwaJakobho imi mose chitsama chavanhu vokwaIsiraeri chakasara, imi vandakatakura kubvira pakuberekwa kwenyu. Ndakakutakurai kubvira muchiri mudumbu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro;
Shona 2009?
"Nditeererei, imwi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakatakudzwa kubva pachizvaro;
Shona SUB 2002 Bible
“Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro;