Isaiah 46:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuȿikira ma kwegura, ndini iye, ndicakutakurai kuȿikira vudzi renyu racena; ini ndaka ku itai, ndica ku takurai, ɀirokwaɀo ndica ku simudzai, nokukurwirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kusvikira pamunochembera, ndini, kusvikira muchene musoro ndini ndinokutakurai. Ndini ndinosika, ndini ndinochengeta, ndini ndinotakura, ndini ndinonunura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
Shona 2009?
kusvikira mukukwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
Shona SUB 2002 Bible
kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.