Isaiah 46:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanocikwidza pafudzi, ʋanocitakura, ndokucigadzika panɀimbo yaco, ico ndokumira; hacibvi panɀimbo yaco, ɀirokwaɀo, kunyaŋge munhu akaɗana kwaciri, hacigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanochisumudza vochichiisa pamapfudzi vochitakura vondochigadzika panzvimbo pacho chobva chati ipapo mbikiti zvokutsukunyuka ipapo hachigoni Kana munhu akachema kwachiri hachipinduri kana kumununura munhamo yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanochikwidza pamapfudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
Shona 2009?
Vanomusimudza pamapfudzi, vanomutakura, ndokumugadzika panzvimbo yake, iye ndokumira; haabvi panzvimbo yake, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwaari, haagoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Vanochikwidza pamapfudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyangwe munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.