Isaiah 47:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaʋimba neɀakaipa ɀako; wakati: Hakuna‐unondiʋona; wakakaŋganiswa noʋucenjeri bgako neziʋo yako, ukati mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, ‘Hapana anondiona.’ Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, ‘Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakatogadzikana zvako mwoyo uri muhuipi hwako ihwohwo uchitozviti, “Hakuna anondiona.” Uchenjeri hwako noruzivo rwako, zvakakurasisa uchizviti mumwoyo, “Ndini pano ini hakuna mumwe kunze kwangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, “Hakuna anondiona;” wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumwoyo mako, “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.”
Shona 2009?
Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, "Hakuna anondiona;" wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumoyo mako, "Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, “Hakuna anondiona;” wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumwoyo mako, “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.”